Chimurenga chegore ra 1917 ku Russia
Nhasi tiri kupemberera chiitiko chikuru chekurwira rusununguko chakaitika muna 1917 kunyangwe zvazvo nyika yeU.S.S.R isisipo.
Zuva iri rakakosha nekuti ndiro rakazokonzera kuti U.S.S.R nedzimwe nyika dzakaita seCuba, G.D.R, Czechoslovakia, Yugoslavia dzikwanise kutsigira hondo yedu yerusununguko. Chimurenga chemuna 1917 chakaunza rusununguko kuChina, Laos, Kampuchea (Cambodia), Vietnam, Zimbabwe, Ethiopia, Angola, Namibia, Mozambique neSouth Africa.
Nhasi tinodada nehungwaru uye zvidzidzo zva Karl Marx na Lenin. Nhasi isu sevanhu vebato reGutsaruzhinji tinozvibvunza kuti, chii chatinofanira kudzidza kubva muChimurenga ichi?
Hezvino zvatingadzidza:
a) Panodiwa musangano wevashandi, varimi, nenyanzvi dzefundo.
b) Tinofanira kuunganidza vashandi, vatengesi vemumigwagwa, makorokoza, varimi, nevadzidzi kuti vave mubatanidzwa mumwechete.
c) Tinofanira kukurukura nemasangano evashandi uye evagari vemuma dhorobha, pamwe nevarimi kumaruwa nezvematambudziko avanosangana navo zuva nezuva. Kumakoreji nemayunivhesiti, tinofanira kukurukura nevadzidzi nevadzidzisi.
d) Tinofanira kuva nehurongwa hwekutaura nemapurisa nemauto tichivaonesa gwara rakanana.
Nhasi uno ngatizvivhunzeyi kuti chii chakaita kuti J.T. Gumede, uyo aive mutungamiri weANC, paakashanyira Moscow muna 1927 ati, “Ndiri kuona Jerusalem itsva”. Ibasa guru kuumba musangano wevashandi unokwanisa kutipa rusununguko rwakazara. Ngatibatanei pamwechete tivake musangano wedu.